Psalms 115

1Kwete kwatiri, Jehovha, kwete kwatiri,
asi kukudzwa ngakupiwe kuzita renyu,
nokuda kworudo rwenyu nokutendeka kwenyu.

2Sei ndudzi dzichiti,
“Mwari wavo aripiko?”
3Mwari wedu ari kudenga;
anoita zvose zvinomufadza.
4Asi zvifananidzo zvavo isirivha negoridhe,
zvakaitwa namaoko avanhu.
5Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura,
zvina meso, asi hazvigoni kuona;
6zvine nzeve, asi hazvigoni kunzwa mhino,
asi hazvigoni kunhuhwidza;
7zvina maoko, asi hazvigoni kubata,
tsoka, asi hazvigoni kufamba;
uye hazvitauri napahuro pazvo.
8Vanozviita vachafanana nazvo,
navose vanovimba nazvo.

9Haiwa imba yaIsraeri, vimbai naJehovha,
ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
10Imi imba yaAroni, vimbai naJehovha,
ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
11Imi vanomutya, vimbai naJehovha,
ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.

12Jehovha anotirangarira uye achatiropafadza:
Acharopafadza imba yaIsraeri, acharopafadza imba yaAroni,
13acharopafadza vanotya Jehovha,
vaduku navakuru zvakafanana.

14Jehovha ngaakuwanzei,
mose iwe navana vako.
15Jehovha ngaakuropafadze,
iye muiti wedenga napasi.

16Kudenga denga kumusoro ndokwaJehovha,
asi nyika akaipa kuvanhu.
17Vakafa havasivo vanorumbidza Jehovha,
avo vanoburukira kwakanyarara;
18asi tisu tinokudza Jehovha,
kubva zvino kusvikira narini.

Rumbidzai Jehovha.
Copyright information for SnaBDSC